Colossians 4

1Madzishe, ipai varanda zvakarurama nezvakaringana, muchiziva kuti imwiwo muna Ishe kumatenga.

Kutsungirira pakunamata

2Tsungirirai pamunyengetero, murinde pakuri nekuvonga; 3mutinyengetererewo panguva imweyo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, kutaura chakavanzika chaKristu, chandakasungirwawo; 4kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura. 5Fambai muuchenjeri kune vari kunze, muchidzikunura nguva. 6Shoko renyu ngarigare munyasha, rakarungwa nemunyu, kuti muzive kuti munofanira kupindura sei umwe neumwe.

Anotuma Tikiko naOnesimo

7Zvese zvakanangana neni Tikiko achakuzivisai, hama inodikanwa nemushumiri wakatendeka, nemushandi pamwe neni muna Ishe; 8wandatumira kwamuri ichochi, kuti azive zviri maererano nemwi, nekunyaradza moyo yenyu; 9pamwe naOnesimo, hama yakatendeka inodikanwa, anova wekwenyu. Vachakuzivisai zvese zviri pano.

Kuwonekana

10Arisitako musungwa pamwe neni anokukwazisai, naMariko muzukuru waBhanabhasi, wamakagamuchira mirairo maererano naye; kana achisvika kwamuri, mumugamuchire, 11naJesu anonzi Justo, vevekudzingiswa; ivava chete vabati pamwe neni paushe hwaMwari, vaiva nyaradzo kwandiri. 12Epafrasi wekwenyu, muranda waKristu, anokukwazisai, achirwa nguva dzese muminyengetero nekuda kwenyu, kuti mumire makazara uye makakwana muchido chese chaMwari. 13Nokuti ndinomupupurira kuti ane shungu kwazvo nemwi, neveRaodhikia, neveHierapori. 14Anokukwazisai Ruka chiremba anodikanwa, naDhemasi. 15Kwazisai hama dziri Raodhikia, naNimifa, nekereke iri mumba make. 16Zvino kana tsamba iyi yaverengwa pakati penyu, itai kuti nemukereke yeVaRaodhikia iverengwe; kuti nemwi muverengewo inobva Raodhikia. 17Vudzai Akipo, muti: Chenjerera ushumiri hwawakagamuchira muna Ishe, kuti uhupedzise. 18Kwaziso neruoko rwangu rwaPauro. Rangarirai zvisungo zvangu. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni.

Copyright information for Shona